Accessibility links

Breaking News

Masangano Akazvimirira Oga Anotadza Kusangana  naVaKabila


Masangano akazvimirira oga anoti mutungamiri weDRC, VaJoseph Kabila, varamba kusangana nemasangano mukushanya kwavo muZimbabwe.

Masangano aya anoti anga achida kusangana naVaKabila kuitira kuti avape pfungwa dzawo, pamusoro pezviri kuitika muhurumende yemubatanidza.

Masangano aya anotiwo anga achida kuzivisa VaKabila kutambudzika kuri kuita vanhu, zvichitevera mangange aripo pakati paVaTsvangirai naVaMugabe.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuna VaKabila kuti seyi varamba kusangana nemasangano akazvimirira.

VaFambai Ngirande vanoti masangano akazvimirira anoda chose kuti vanhu vagare zvakanaka, uye kodzero dzavo dzichiremekedzwa.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG