Accessibility links

Breaking News

SADC Troika Yotumira Makurukota kuZimbabwe


Executive Secretary veSADC, VaTomaz Salomao, vazivisa kuti SADC iri kutumira makurukota enyika dziri muSADC Troika, dzinoti Mozambique, Zambia uye Swaziland, kunonzwa pamwe nekuedza kugadzirisa zviri kunetsa pakati pemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe. Musangano uyu uriko musi wa29 Gumiguru muHarare.

Izvi zvatsinhirwawo negurukota rezvekuburitswa kwemashoko muZambia, Lt-General Ronnie Shikapwasha, avo vati vakuru venyika vachauya chete kana makurukota akundikana.

Asi munyori mukuru muMDC, VaTendai Biti, vanoti zviri kutaurwa naVaSalomao handizvo zvavakawirirana.

VaTsvangirai neChishanui vange vachitarisirwa kuita musangano nemutungamiri weAngola, VaJose Eduardo Dos Santos kuLuanda.

Zvinonziwo VaTsvangirai, VaMugabe pamwe nemutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara, vari kutarisirwawo kuita musangano neMuvhuro, wekuedza kugadzirisa dambudziko iri pachavo.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG