Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoita Musangano naVaKabila muKinshasa


Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, neChina vakaita musangano nemutungamiri weDRC, VaJoseph Kabila, muKinshasa vachizeya dambudziko rezvematongerwo enyika rawira hurumende yemubatanidzwa. VaKabila ndivo sachigaro weSADC pari zvino.

VaTsvangirai vari kuyedza kutsvaga rutsigiro mumisangano yavari kuita nevatungamiri venyika dzemuSADC kuitira kuti vagadzirise matambudziko ari muhurumende yemubatanidzwa, ayo akapa kuti MDC yavo imbocheka ukama hwayo neZANU PF, kudzamara bato iri rava kuremekedza chibvumirano cheGlobal Political Agreement.

VaTsvangirai vakaitawo misangano nevatungamiri veMozambique neSouth Africa, uye vave kutarisirwa kuenda kuAngola kunosangana nemutungamiri wenyika iyi neChishanu.

SADC yakazivisa neChitatu kuti nyika nhatu dzinoti Mozambique, Zambia neSwaziland, idzo dziri muSADC Troika, dzichaenda kuZimbabwe musi wa 29 Gumiguru kuti dzinogadzirise zviri kunetsa munhurumende yemubatanidzwa.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanonzi vakatawo musangano wekutsvaga rutsigiro kubva kubato riri kutonga muAngola rePopular Movement for the Liberation of Angola kuState House neChitatu.

Vaimirira MPLA pamusangano uyu, munyori mukuru webato iri, VaJuliao Mateus Paulo. Munyori weSADC, VaTomaz Salomao, vari kuedzawo kuita misangano nemutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, pamwe nevaimbova mutungamiri wenyika iyi, VaThabo Mbeki, avo vanova muyananisi pagakava remuZimbabwe. VaSalomao vari kuda kuti vakuru ava vaise misoro pamwe panyaya yeZimbabwe, iyo yatemesa musoro dunhu rekuchamhembe kweAfrica.

Asi mutauriri waVaZuma, VaVincent Magwenya, vanoti pari zvino havana tarisiro yekuti VaZuma vachaenda kumusangano wekuZimbabwe.

VaSalomao havana kuda kutaura kuti VaMbeki naVaZuma vachaenda here kuZimbabwe svondo rinouya kumusangano weSADC Troika.

VaDewa Mavhinga igweta rinorwira kodzero dzevanhu uye vachiongorora nyaya dzezvematongerwo enyika. VaMavhinga vanoti havaone VaMbeki vachibatsira pagakava iri, sezvo vakakundikana kugadzirisa gakava iri kare, izvo zvakapawo kuti MDC iti haisi kugutsikana nebasa raiitwa naVaMbeki.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG