Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vashanu Vanofa neChirwere cheKorera


Hurumende inoti pane vanhu vashanu vakafa nekorera mumatunhu eManicaland, Mashonaland West neMidlands.

Munyori mubazi rehutano, VaGerald Gwinji, vaudza bepanhau reHerald kuti vanhu vashanu vakafa ava, vanhu vari pakati pevanhu vanopfuura zana vakabatwa nekorera munyika mwedzi wapfuura.

Bepanhau reHerald rinoti vanhu vakabatwa nekorera kutanga kwemwedzi wapera, uye vazhinji vari kubatwa nechirwere ichi, mapositori nevamwe vanhu vane zvitendero zvinokurudzira kusanwiwa kwemishonga yemuzvipatara.

Nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti dzakagadzirira kurwisa chirwere ichi, icho chakauraya vanhu vanodarika zviuru zvina kubva pachakatanga muna Nyamavhuvhu gore rapera.

Muzvare Tsitsi Singizi ndivo vanoona nezvekufambiswa kwemashoko muUNICEF muZimbabwe. Muzvare Singizi vanoti sangano ravo riri kuedza neparinogona napo kubatsira hurumende yemubatanidzwa munyaya dzehutano, kuitira kuti vanhu vasarasikirwe nehupenyu, kuburikidza nezvirwere zvakaita sekorera.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...


XS
SM
MD
LG