Accessibility links

Breaking News

Paramende Yotanga Sarudzo dzeKutsvaga Nhengo dzeHuman Rights Commission


Dare reparamende neMuvhuro rakatanga kuita bvunzo dzekutsvaga vanhu vachapinda mukomisheni inoona nezvekuchetengetedzwa kwekodzero dzevanhu kana kuti Independent Human Rights Commission sezvinodiwa nemutemo wenyika.

Zimbabwe yagara ichishorwa zvikuru pasi rose nenyaya yekutyora kudzero dzevanhu. Mutori wedu wenhau Irwin Chifera anotipa nyaya inotevera.

Vanhu makumi matatu nevatatu ndivo vapinda mubvunzo idzi asi vamwe vaviri vanonzi vakundikana kuuya.

Mutori wenhau Irwin Chifera anoti vamwewo vakaita semudzidzisi pauniversity of zimbabwe VaGeoff Feltoe vabuda mubvunzo mushure mekubudirira kwavakaita mubvunzo dzeElectoral komisheni dzakatwa masvondo maviri apfuura.

Vamwe vapinda mubvunzo idzi dzange dzichitungamirirrwa nekomiti yeparamende yestanding rules and orders kana kuti sroc, vano sanganisira nhengo dzeZANU-PF dzinoti VaJoshua Malinga avo vanove nenhengo yePolitiburo yebato iri, VaJacob Mudenda naamai Mavis Chidzonga.

Vamwe vange varipo mutungamiriri wesangano ravanachiremba vanoshanda vakazvimirira vega redoctors for human rights, vadouglas gwatidzo, kozotiwo vakucaca phulu vanoshanda nesangano reZimrights uye vaimbove meya weguta reBulawayo VaJaphet Ndabeni Ncube pamwe nevakambotungamira mabasa ezvekupinda nekubuda munyika kana kuti Immigirations Services VaElasto Mugwadi.

Vamwe vakapinda vano sanganisira magweta, vashandi vehurumende pamwe nevamwe vanoshanidra masangano anoshanda akazvimriri ega. Komiti yesroc yange ichida kuona kuti vanhu ava vauya kubvunzo idzi vanonzwisisa here nezvenyaya dzekodzero dzevanhu, uye kuti vachaita sei kuyedza kudzisimudzira kana vapinda mukomisheni iyi. Vazhinji vapinda mubvunzo idzi vataura kuti komisheni iyi ino fanirwa kupihwa zvikwanisiro zvekuti iite basa rayo uya vati vezvevematongerwo enyika havafanire kupindira mumabasa ayo.

Vatiwo rimwe basa guru rinonfanirwa kuitwa nekomisheni iyi, kudzidzisa veruzhinji pamusoro pekodzero dzavo pamwe nekuona kuti hurumende inoremekedza kodzero dzavanhu.

Asi vati zivi zvichanetsa sezvo zvinhu munyaya dzezvematongerwo enyika zvisati zvanyatso gatsikana.

Paramennde inotarisirwa kubuda nemazita evanhu gumi nevatanhatu vanenge vakunda musarudzo uye mazita avo anozoendeswa kumutungamiriri wenyika,varobert mugabe avo vachazodoma vanhu vasere kuve nenhengo dzekomisheni iyi.

VaMugabe vachadomawo sachigaro wekomiti iyi asi munhu wacho anofanirwa kunge ari gweta kwemakore anodarika manomwe uye vasati vaita izvi vanosungirwa kunzwa pfungwa dzedare rejudicial service commission pamwe nesroc.

VaFarai maguwu ndivo Director wesangano reCentre for Research and Development. VaMaguwu vati hurumende inofanira kuremekedza komisheni iyi.

Dzimwe Nhau Kubva KuStudio 7...

XS
SM
MD
LG