Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yopihwa KusvikaSvondo Rinotevera Kupindura Nyanya Dzemaghoda


Sangano re World Diamond Council rinoti sangano re Kimberly Procees rapa Zimbabwe kusvika usi wa 5 Gumiguru kuti ive nehurongwa hwekugadzirisa zvisina kumirira zvakanaka kuminda yemangoda kwachiadzwa kuManicaland.

Izvi zvinotevera gwaro rakapihwa hurumende nesangano re kimberly process, iyo yakaita ongororo pamusoro penyaya yekutyorwa kwekodzero dzevanhu kwaMarange.

Bepanhau repa internet, re Zimonline, rinoti gurukota rezvezvicherwa, Va Obert Mpofu, vakatambira gwaro iri, uye vari kutarisirwa kupa pfungwa dzavo zimbabwe isati yamiswa pamberi pekimberly process muna zvita.

Studio7 haina kukwanisa kutaura naVa Mpofu, sezvo vanga vasingabatike panhare yavo. VaFarai Maguwu ndivo executive director ve Centre for Research and Development.

VaMaguwu vanga vachiongorora zviri kuitika kwaChiadzwa.

Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro naVaMaguwu kuti tinzwe pfungwa dzavo.

Dzimwe Nhau Kubva KuStudio 7...

XS
SM
MD
LG