Accessibility links

Breaking News

Vatungamiriri veAfrica Voparura Chirongwa cheKurwisa Malaria


Vatungamiriri venyika dzemu Africa vasangana neChitatu ku United Nations mu New York, kuti vabatane mukurwisa chirwere che malaria kuti chinge chisisauraye vanhu mugore ra2015.

Vatungamiriri ava vaparaura chirongwa chinonzi African Leaders Malaria Alliance, Alma, icho chichabatsira zvikuru mukuronga hwaro hwekuwanira vanhu mishonga pamwe nekutsvaka nzira dzekupedza chirwere ichi mu Africa.

Nyika dzemu Africa dzange dzakamirirwa pamusangano uyu dzinosanganisira Benin, Comoros, Democratic Republic of Congo, Ethiopia, Ghana, Kenya, Madagascar, Mauritius, Nigeria, Rwanda, Tanzania, Sao Tome and Principe, Seirra Leone, Uganda neZambia.

Chirongwa che Alma chakatangwa nemutungamiri weTanzania, VaJakaya Kikwete, vachishanda nenhumwa yeUnited Nations munyaya dze malaria, VaRay Chambers.

Malaria inouraya vana vemu Africa vari pasi pemakore mashanu vanosvika zvikamu makumi maviri nezvishanu kubva muzana, uye madzimai akazvitakura anosvika mazana mashanu ezviuru ari kufawo gore rega nechirwere ichi.

Mari inosvika mabhiriyoni gumi nemaviri emadhora eku America iri kushandiswa mukudzivirira chirwere ichi mu Africa.

Gurukota rezvehutano, Dr Henry Madzorera, vanoti kuumbwa kwe Alma kuchabatsira zvikuru mukurwisa chirwere ichi. VaMadzorera vanoti vanhu vanosvika mamiriyoni matanhatu vari munjodzi yekubatwa nechirwere ichi muZimbabwe, uye malaria iri panhamba yechitatu pazvirwere zviri kuuraya vanhu vakawanda muZimbabwe.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...


XS
SM
MD
LG