Accessibility links

Breaking News

Swine Flu Inobata Vanhu Gumi neVaviri


Vanhu gumi nevaviri munyika vanonzi vakabatwa nechirwere che swine flu. Sangano re World Health Organisation raburitsa mashoko aya asi rinoti hapana munhu muZimbabwe ati afa nechirwere ichi, kunyange hazvo vanhu vanodarika makumi matatu muAfrica, vakafa nechirwere ichi.

WHO iri kushanda nehurumende kuongorora vese vanofungidzirwa kuti vakabatwa nechirwere. Sangano iri rinoti riri kushanda zvakare nedzihurumende dzemu Africa, kuitira kuti dambudziko rechirwewe che swine flu risabate vanhu vakawnda.

Zvinonzi vanhu vana vanosvika mazana matatu muManicaland nemuMashonaland East, vari kutyirwa kuti vangangobatwa nechirwere ichi.

Dr Douglas Gwatidzo ndivo sachigaro veZimbabwe Association of Doctors for Human Rights. VaGwatidzo vanoti Zimbabwe ine mari yakakwana zvokuti chirwere che swine flu, chinogona kugadziriswa pasina dambudziko.

VaGwatidzo vanoti nepamusana pekuti Zimbabwe inokosheshazvimwe zvinhu kudarika hutano, izvi zvinogona kukanganisa hurongwa hwekuti vanhu vasabatwe ne swine flu.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG