Accessibility links

Breaking News

Sangano rePTUZ Roramwa Mabasa Kwamazuva Maviri Svondo Rega Rega


Sangano rePTUZ ranga richimboramba kuti varairidzi vari pasi paro havafanirwe kuramwa mabasa, rinoti richatanga kuramwa mabasa kwemazuva maviri pasvondo rega rega, uri musi wechina nechishanhu.

Munyori mukuru wePTUZ, VaRaymond Majongwe, vanoti National Executiveyavo yaita musangano nhasi vakabvumirana kutora danho rekura

mwa mabasa kwemazuva maviri svondo rega rega.

.mushure memusangano wnhasi, varairidzi ava vapinda mumigwagwa vachiedza kumahofisi ebazi rezve dzidzo vachiti munyori webazi redzidzo, Va Stephen Mahere, vanofanirwa kusiya basa. Asi kuratidzira uku kwatadziswa nemapurisa.

Bz: PTUZ haina kuzosangana sezvazvanga zvakarongwa negurukota rezvemari, VaTendai Biti, pamwe negurukota rezvedzidzo, va David Coltart. Musangano uyu wakundikana sezvo VaColtart vanzi vanga vasiri munyika. Studio7 haina kukwanisa kutaura ne zimta, kunyange hazvo mashoko ari kuti varairidzi vachiri kuramwa mabasa.


Varairidzi vari kunetsana nehurumende vachiti vanoda kuwedzerwa mari dzavanotambira kusvika pa US$502 pamwedzi. Hurumende inoti haina mari yekuwedzera vashandi vayo. Patience Rusere weStudio 7 aita hurukuro naVaMajongwe pamusoro penyaya yehurongwa hwavo.

XS
SM
MD
LG