Accessibility links

Breaking News

Monomotapa Inombomisa Basa Vatambi Vana


Monomotapa yambomisa vatambi venhabvu vana kutambira chikwata ichi zvichitevera kusawirirana kuripo pamusoro pemari dzekubatsirikana dzisati dzabhadharwa vatambi vechikwata ichi. Vatambi vechikwata ichi vari kuramwa kutamba nhabvu vachiti vanoda kutanga vapihwa mari dzavo.Vambomiswa ava vanonzi ndivo vanga vachitungamira kuramwa uku.

Vatambi vambomiswa nechikwata ichi ndiDaniel Zokoto, Ntulisi Maphosa, Godfrey Mangove, naLuckmore Zimanga. Sangano rePremier Soccer League rinonzi richabatsira Monomotapa kubadhara vatambi ava sezvo chikwata ichi chiri kutarisanawo nezvimhingamupinyi zvakawanda.

Monomotapa iri kumirira nyika mumakwikwi eConfederation Of African Football Champions League ari kutambwa pari zvino.

VaDavid Makombe ndivo munyori mukuru weMonomotapa. VaMakombe vanoti chikwata chavo chiri kunetseka nekuwana mari, asi chichagadzirisa zvose zviri kunetsa. Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuvatambi vambomiswa kuti vachaita seyi.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7…

XS
SM
MD
LG