Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi: Hurumende Ngaigadzirise Zviri Kunetsa muBazi reHutano


Kuramwa mabasa kwavana chiremba munyika kwapa kuti zvinhu munyaya dzehutano zviite manyama amire nerongo.

United Nations inoti chirwere chekorera icho change chanzi nehurumende chapera, chinogona kudzoka zvakare.

Ukuwo pave kutyirwa kuti chirwere che swine flu, icho chakatobata vamwe vanhu munyika, chinogona kukonzera rufu rwevanhu wakawanda kana chikasadzivirirwa, sezvo vana chiremba navana mukoti vasiri kuenda kubasa.

Kunze kwekuramwa mabasa kwavana chiremba, mishonga inonzi haisi kuwanikwa munyika, uye masangano anopa rubatsiro ari kutatarikawo kuti awanire Zimbabwe rubatsiro runodiwa.

Dr Edwin Muvavarirwa vanoshandira paParirenyatwa Hospital. Va Muvavarirwa vanoti zvinhu hazvina kumirira zvakanaka muzvipatara nokudaro hurumende pamwe navana chiremba, vanofanirwa kugara pasi vogadzirisa zviri kunetsa.

Imwe nyanzvi munyaya dzehutano, uye vari nhengo yekomiti yeparamende inoona nezvehutano, VaBlessing Chebundo, vanoti hurumende ngaigadzirise matambudziko akatarisana nevashandi vemuzvipatara, pamwe nedambudziko rakatarisana nevarwere.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG