Accessibility links

Breaking News

VaJohn Nkomo Votsigirwa Zvine Mutsindo muZanu PF


Sachigaro weZANU-PF, VaJohn Nkomo, ndivo vave kutarisirwa kutsiva basa rakanga richiitwa namushakabvu Joseph Msika mubato iri.

Izvi zvikaitika, VaNkomo vanobva vaitwa mumwe wevatevedzeri vemutungamiri wenyika. Mumiriri weZimbabwe muSouth Africa, VaSimon Khaya Moyo, ndivo vari kuwana rutsigiro rwakawanda mumatunhu eZANU-PF kuti vave sachigaro webato iri.

Vaviri ava vanonzi vasvika pachinzvimbo chekuva pamberi pari zvino, sezvo vawana rutsigiro kubva kumatunhu matatu eku Mashonaland, pamwe neMatabeleland.

Mamwe matunhu haasati abuda pachena kuti ari kutsigira ani. Asi gavhuna weBulawayo, VaCain Mathema, vanonzi vari kuenderera mberi nekutsvaga rutsigiro rwekuti vatsive VaNkomo kana vachinge vakwidziridzwa mubato.

Hazvisati zvazivikanwa kuti chikwata chinotungamirwa naVaEmmerson Mnangagwa chichabudirira here kuwana rutsigiro mumatunhu asara anoti Manicaland, Harare, Midlands, neMasvingo.

VaPedzisayi Ruhanya vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, uye vachishanda ne Crisis in Zimbabwe Coalition. VaRuhanya vanoti kutarisira sarudzo dzakachena muZANU-PF kupedza nguva kuteya nzou nerihwa.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG