Accessibility links

Breaking News

Masoja Owedzerwa kwaChiadzwa kuMinda yeMangoda


Hurumende inonzi yawedzera masoja ari kuchengetedza kucherwa kwemangoda kuChiadzwa kwaMarange mudunhu reManicaland.

Zvichitevera kurudziro ye Kimberly Process yekuti masoja abviswe kwaChiadzwa, hurumende yakati ichatevedzera kurudziro iyi, kuitira kuti ichengetedze chimiro chayo pakutengeswa kwemangoda pasi rose.

Mugwaro rayo yaraburitsa, Human Rights Watch, inokurudzira Zimbabwe kuti imbomisa kutengesa mangoda ekwaMarange, nokuti hurumende iri kushungurudza vanhu vakapa umbowo kunhumwa dzeKimberly Process, idzo dzaiongorora kana Zimbabwe yaitevedzera mitemo ine chekuita nekucherwa pamwe nekutengeswa kwemangoda kana kuti diamonds.

Kimberly Process yakapa Zimbabwe kusvika musi wa 20 Chikunguru kuti ibvise mauto kwaMarange pamwe nekugadzirisa zvimwe zvinodiwa, asi zvese izvi hazvisati zvaiitwa.

Gurukota rezvicherwa, VaObert Mpofu, vakavimbisa veKimberly Process kuti Zimbabwe ichabvisa masoja kwaMarange kana ichinge yawana kambani yakazvimirira yoga kuti ichere mangoda aya.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende pane zvaburitswa ne HRW.

Sandra Nyaira weStudio7 aita hurukuro nechipangamazano mu HRW, VaDewa Mavhinga, kuti tinzwe nezvegwaro ravo.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG