Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Cricket neCricket South Africa Zvosunga Hukama


Sangano reZimbabwe Cricket rinoti riri kufadzwa nekudyidzana kwarichnage richiita nesangano remutambo we cricket ku South Africa, re Cricket South Africa.

Kudyidzana kwemasangano maviri aya kuri kutarisirwa kutanga munguva pfupi iri kutevera. Hurongwa uhu hunoitika mushure mekunge nhumwa dzeku South Africa dzashanyira Zimbabwe nechinangwa chekuda kusimbaradza husahwira hwenyika mbiri idzi.

Mukuru anoona nezvemabasa eZimbabwe Cricket, VaOzias Bvute, vanoti sangano ravo riri kutarisira kuwana ruzivo kubva kuchikwata cheku South Africa, ichoi chiri kutarisirawo kudzidza zvakawanda kubva kuchikwata chemuZimbabwe.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7…

XS
SM
MD
LG