Accessibility links

Breaking News

MDC Yochemachema neKusungirwa Nhengo Dzayo


Zvinhu zvaitazve manyama amire nerongo muhurumende yemubatanidzwa mushure mekutongerwa kupika jere kwenhengo yeparamende yeChishanu muMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai.

Mumiriri weZaka North muparamende, VaEarnest Mudavanhu, vakatongerwa kugara mujere kwegore mushure mekuwanikwa vaine mhosva yekusafambisa zvakanaka mbeu dzaipihwa vanhu pasi pechirongwa chebhanga guru renyika.

MDC inoti ZANU-PF iri kuda kuti idzikise huwandu hwenhengo dzayo dzeparamende, kuitira kuti ishandure kana kutadzisa kushandurwa kwemitemo pamadiro.

Nhengo dzeMDC dzedare reparamende dzava gumi nenhatu dzine nyaya dziri kumatare, pozotiwo nhengo imwe chete yedare reseneti, VaRoy Bennett.

Asi gurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, vanoti mashoko ekuti hurumende iri kusunga nhengo dzeMDC chete haasi echokwadi.

Ukuwo Chief Whip weMDC muparamende, VaInnocent Gonese, vanoti mashoko aVaChinamasa ndeekuda kubata vanhu kumeso.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG