Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vopesana naVaMugabe naVaMutambara paNyaya yeMapurazi


Makakatanwa ari muhurumende yemubatanidzwa abuda zvakare pachena neChina pamusangano wekukwezva vemabhizinesi kuti vatange mabhizinesi matsva muZimbabwe.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vati hapana kudzokera shure panyaya yeminda, uye hurumende yavo ichapa mari yezvivakwa zviri pamapurazi, kwete kutenga ivhu iro vanoti rakapambwa nevachena. VaMugabe vatiwo hurumende yeBritain yakanga yavimbisa kubhadhara mari kuvachena vanenge vatorerwa mapurazi avo, asi yakazosiya hurongwa uhu, izvo zvakapa kuti zvinhu zviomere vanasapurazi vechichena. VaMugabe vataura mashoko aya pamusangano we International Investment Conference.

VaChitaurawo pamusangano uyu, mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vaudza musangano uyu kuti kwese kwavakaenda, vaibvunzwa nezvenyaya yeminda. Vati hurumende inofanirwa kuremekedza chibvumirano che GPA, icho chinossungira hurumende kubhadhara varimi vanenge vatorerwa minda yavo. Vatiwo izvi zvakakosha sezvo nyika dziri kuda kubatsira Zimbabwe, dziri kutarisa zviri kuitwa muhurumende yemubatanidzwa.

Mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara, vatiwo minda yakapihwa vana veZimbabwe, nokudaro hapana nyaya inofanirwa kuramba ichitaurwa. Vati chiri kudiwa pari zvino inyaya yekuona kuti minda iyi iri kushandiswa kuitira kuti nyika iwane chikafu chakwana.

Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti Zimbabwe ichine rwendo rwurefu kuti ikwanise kukwezva vemabhizimisi ekunze.

Nyanzvi idzi dzinoti misangano yakafanana newe Zimbabwe International Investment Conference wakaitwa muHarare neChina kungopedza nguva kuteya nzou neriva, sezvo hurumende isati yovimbisika.

Asi vamwe vanoti aya mavambo akanaka uye zvinoratidza kuti Zimbabwe haisi kuda kuramba yakasaririra shure segotsi panyaya dzekukwezva vezvehupfumi kuti vatange mabhizinesi munyika.

Asi vakawanda vanoti chinodiwa kuti vezvematongerwo enyika, kunyanya VaMugabe, kuti vachinje matongero avanoita nyika, uye kugadzirisa mitemo isiri kufarirwa nevekunze yakafanana neyemigodhi uye zviri kuitika mumapurazi.

Blessing Zulu weStudio7 aita hurukuro naVaProsper Chitambara, nyanzvi munyaya dzehupfumi uye vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, pamwe naVaRejoice Ngwenya, avo vanoongororawo nyaya dzezvehupfumi.

Vaviri ava vanoti VaMugabe ndivo vanoda kutanga vavandudza maitiro avo vasati vatanga kukwezva vekunze.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG