Accessibility links

Breaking News

MDC Yotsika Madziro Ichiti VaGono naVaTomana Ngavasiye Basa


Bepanhau re Herald rinoti mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara, vave kupesana nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, panyaya yekuti gavhuna webhanga guru renyika, VaGideon Gono, vasiye basa sezvo vari kutadza kuita basa ravo nemazvo.

VaMutambara vanonzi vakati VaTsvangirai vanofanirwa kubatana naVaGono nevamwe kuitira kuti hurumende yemubatanidzwa ibudirire.

Zvinonzi VaMutambara vakataura mashoko aya neChipiri apo vaitaura nevanoita zvemigodhi midiki. Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuna VaMutambara, avo vati vanga vakabatikana.

Asi MDC inoti haisi kuzochinja pairi panyaya yaVaGono pamwe neyemuchuchisi mukuru, VaJohannes Tomana.

VaNelson Chamisa ndivo mutauriri weMDC inotungamirwa naVaTsvangirai.

Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro naVaChamisa kuti tinzwe mafungiro nemashoko aVaMutambara.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG