Accessibility links

Breaking News

VaGandiya Votambirwa seMukuru weAnglican muHarare


Anglican Church yemu Harare yava nemutungamiri mutsva mushure mekunge Reverend Chad Nicholas Gandiya, vatambirwa nevanhu vakawanda semunhu anokodzera kuva mutungamiriri mutsva wechechi iyi mudunhu reHarare.

Reverend Gandiya, avo vaimbove mukuru wepa Bishop Gaul College, uye mufundisi muHarare, vari kutarisirwa kugadzwa zviri pamutemo kupera kwemwedzi uno Chikunguru.

Kereke yeAnglican iri pakati pemakakatanwa anotyisa pakati pevatsiri vaBishop Sebastian Bakare naBishop Nolbert Kunonga zvichitevera kudzingwa kweVaKunonga muchechi iyi.

Zvichitevera kudzingwa kwavo, VaKunonga vakati vakange vava kutenga chechi yavo, uye vakabva vatora nechisimba dzimwe dzimba pamwe nemidziyo yechechi iyi.

Pakaitikawo mhirizhonga inotyisa pakati pevatsigiri vaVaKunonga naVaBakare, zvokuti vamwe vanhu vakatoendeswa kuzvipatara zvemuHarare nekwaMutare mushure mekung varwisana.

VaGandiya, avo vari kutora matomu kubva kuna Bishop Bakare, vanoti donzo ravo ndere kubatanidza vatenderi muHarare uye kutsvaga runyararo nerudo munyika.

Bishop Nicasious Chiriga, avo vanotaura vakamirira vatsigiri vaBishop Kunonga, vanoti vanotambira mashoko aVa Gandiya ekutsvaga kupedza bopoto riri muchechi yavo.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG