Accessibility links

Breaking News

Mozambique Inoti Haisi Kuzodzimira Zimbabwe Magetsi


Mozambique yazivisa kuti haisi kuzodzimira Zimbabwe magetsi kunyange hazvo ZESA iine chikwereti chemari inoda kusvika US$50 million.

Gurukota reMozambique rezvemhando dzemoto, VaSalvador Namburete, vaudza vatori venhau kuti hurumende yemubatanidzwa inoda rutsigiro rweMozambique, uye SADC iri kuedza napose painogona napo kuti upfumi hweZimbabwe husimuke.

Zimbabwe iri kuwana mamwe emagetsi ayo kubva kudhamu reCahora Bassa, kuMozambique. Nguva zhinji nyika inenge isina magetsi sezvo ZESA iri kutadza kuwana 1 800 megawatts dzinodiwa nenyika pamwedzi.

Gurukota rezvemhando dzemoto, Engineer Elias Mudzuri, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti vakwanisa kubhadhara US$14 million pachikwereti cheMozambique ichi.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG