Accessibility links

Breaking News

Kimberley Process Inokurudzira Kusacherwa kweMangoda


Chikwata cheKimberley Process, icho changa chichi shanya munyika kuti chiongorore mafambisirwo ari kuitwa mangoda ari kucherwa munyika, chiri kukurudzira kuti Zimbabwe imbomira kucherwa nekutengeswa kwemangoda anobva kumigodhi yekwaChiadzwa, kwaMarange, kusvika nzvimbo iyi yachengetedzwa zvakakwana.

Mugwaro rachakapa kubazi rezvemigodhi neMugovera, chikwata ichi chiri kukurudzirawo kuti mauto ari kuchengetedza nzvimbo iyi abviswe mudunhu iri.

Masangano anorwira kodzero dzevanhu anoti vanhu vanodarika mazana maviri vaichera mangoda zvisiri pamutemo vakapondwa nehurumende mudunhu iri, asi hurumende iri kuramba mashoko aya.

Mutewedzeri wegurukota rezvemigodhi, VaMurisi Zwizwai, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti gwaro reKimberley Process iri rakaipira nyika zvikuru.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG