Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzirwa Kutevedza Zviri Muchibvumirano cheGPA


Nyaya yekuti hurumende yemubatanidzwa yogara kwenguva yakadii, iri kutemesa vanhu vakawanda misoro, sezvo vamwe vari kuti ngapaitwe sarudzo panongopera mwedzi gumi nemisere kubva hurumende yemubatanidzwa yatanga kushanda.

Vanhu ava vanoti sarudzo idzi dzinofanirwa kuitwa mushure mekunge munyika mava nebumbiro idzva remitemo yenyika.

Vamwewo vari kuti sarudzo ngadziitwe kana kwapera makore matatu kana mashanu, sezvo vanhu vachine kakutya zvichitevera mhirizhonga yakaitika musarudzo dzegore rapera.

Asi chikuru chiri kutariswa neveruzhinji kuumbwa kwebumbiro remitemo yenyika idzva, muhurongwa huri kutungamirwa nehurumende.

Izviwo zvaunza kupokana kukuru kubva kumasangano akaita seNCA, ZCTU, ZINASU nemamwe, ayo ari kuti hurumende haifanirwe kutungamira kunyorwa kwebumbiro remitemo idzva.

Vanoongorora zvematongerwo enyika, uye vachishanda nesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition, VaPedzisayi Ruhanya, vanoti hurumende inofanirwa kutevedza zviri muchibvumirano che Global Political Agreement.

Mashoko aya anotsigirwawo neimwewo nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaFarai Mamina, avo vanoshanda sechipangamazano vari muWalvis Bay kuNamibia.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG