Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Votaura kuMusangano weAfrican Union


Chikamu chekutanga chemusangano weAfrican Union unoitwa kaviri pagore, chakatanga neChitatu muguta reSitre kuLibya.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vari kutarisirwa kutaura nezvekuwanira nyika zvekudya. Dzimwe nyaya dziri kutarisira kutaurwa nezvadzo inyaya dzematambudziko ari muSudan, Somalia neZimbabwe.

Apo VaMugabe vanenge vachitaura kune vamwe vatungamiri venyika nezvekurima, Zimbabwe inenge iri mibishi rekutsvaga mari yekushandisa muhurumende yemubatanidzwa.

Ukuwo gurukota rezvekurongwa kwehupfumi, VaElton Mangoma, vakatumwa kunopemha mari yekurimisa nezvimwe kuAfrican Development Bank, kana kuti ADB.

Zvinonzi VaMangoma vakaita musangano nemutungamiri webhanga iri, VaDonald Kaberuka. VaMangoma vaudza Blessing zulu weStudio 7 kuti vari kutarisirwa kuwana US$ 1 billion kubva kuADB.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG