Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vawanira Nyika Mari Inoita  US$1,45 Billion


Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vanoti China ichakweretesa hurumende yemubatanidzwa mari inoita mamiriyoni mazana mapfumbamwe nemakumi mashanu emadhora ekuAmerica, kana kuti US$950 million.

VaTsvangirai vatiwo Zimbabwe inogona kuwana rubatsiro rwakwanda kana vatungamiriri vemapato ezvamatongerwo enyika vakaita zvavakawirirana muchibvumirano chekuvaka hurumende yemubatanidzwa.

Vatiwo rwendo rwavo rwekunotsvaga mari yekubatsirana nyika, rwanga rwusina kungorerekera kunyika dzekumavirira. VaTvangirai vati pavakange vasiri munyika, gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vakakwanisawo kutaura neChina, iyo yakavimbisa kukweretesa Zimbabwe mari inoita mamiriyoni mazana mapfumbamwe nemakumi mashanu emadhora ekuAmerica. Vati izvi zvinoratidza kuti vari kutsvaga rubatsiro kunyika dzose dzinogona kubatsira Zimbabwe

Vane ruzivo nezviri kuitika panyaya iyi vanoti VaTsvangirai pamwe negurukota rezvemari, VaTendai Biti vava nemwedzi wose vachitaura nenhumwa dzekuChina uye mumiriri weChina muZimbabwe, VaYuan Nansheng, kuti vabatsirwe neChina.

Chikwereti chiri kupihwa Zimbabwe neChina chinonzi ndechekugadzira zvinhu zvakaita semigwagwa uye nhandare yendege.

Imwe mari inonzi ichashandiswa kutenga zvinhu kubva kuChina.

Studio7 yaedza kutaura nevekumuzinda weChina muZimbabwe, asi varamba kutaura kuri kubva mari iyi. VaMugabe vakatotumira nhumwa dzavo kuChina kunopemhawo rubatsiro dzichitungamirwa negurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

VaMsekiwa Makwanya vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti VaTsvangirai varatidza kuti havatarise divi rimwe chete pakutsvagira nyika rubatsiro.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG