Accessibility links

Breaking News

Nhengo yeInternational Commission of Jurists Inoshanya Munyika


Mutevedzeri wemunyori mukuru wesangano rinounganidza masangano emagweta anorwira kodzero dzevanhu pasi rose, reInternational Commission of Jurists, ICJ, VaWilder Tayler, vakasvika munyika neMuvhuro kuti vaongorore mamiriro akaita zvinhu munyaya dzekodzero dzevanhu.

Vachingosvika munyika, VaTayler vakabva vasangana nemagweta anoshanda neZimbabwe Lawyers for Human Rights, vatungamiri vesangano reZCTU pamwe nemamwe masangano anoshanda akazvimirira.

VaTayler, avo vari kushanya kwemazuva matatu, vari kutarisirwawo kusanganawo nevakuru vakuru muhurumende pamwe nevanhuwo zvavo.

Rimwe remagweta eZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaOtto Saki, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti chikuru chiri kunyanya kudiwa naVaTayler kunzwisisa zviri kutora nzvimbo munyaya dzekodzero dzevanhu munyika.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG