Accessibility links

Breaking News

Makurukota eMDC Oramba Kupinda Musangano naVaMugabe


MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, yaramba neMuvhuro kuenda kumusangano wechimbi chimbi wedare remakurukota, uyo wanga wadaidzirwa nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Bato iri rinoti raramba kupinda mumusangano uyu richiti kuita kwaVaMugabe kunoratidza kuti havasi kukoshesa chibvumirano chakavaka hurumende yemubatanidzwa. Zvinonzi VaMugabe vadaidzira musangano uyu kuti uitwe neMuvhuro, sezvo vachange vasipo neChipiri, apo panogara dare remakurukota.

MDC inoti zvaitwa naVaMugabe zvinozvidza VaTsvangirai, avo vanofanirwa kutungamira musangano uyu kana VaMugabe vasipo sezvo vari mutevedzeri wasachigaro wedare remakurukota.

Vachitaura nevatori venhau muHarare, mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, Muzvare Thokozani Khupe, vati Zanu PF haisi kutora MDC sebato rakakosha.

Vatiwo zviri kuitwa naVaMugabe zvinoratidza kuti vari kutyora chibvumirano chekuvaka hurumende yemubatanidzwa. Muzvare Khupe vati VaMugabe havasi kuda kuti sangano re National Security Council ripote richigara dare raro kamwe chete pamwedzi, uye kusada kwavo kugadza VaRoy Bennett semutevedzeri wegurukota rezvekurima.

Vatiwo kuomesa musoro kwaVaMugabe panyaya yaVaGideon Gono pamwe naVa Johannes Tomana, zvinoratidza kuti havasi kuremekedza MDC. Vati zvakadai zvikaramba zvichiitika muhurumende iyi, MDC haione chimuko chekuti irambe iri muhurumende yaisingaremekedzwi. Studio7 yabata VaPatrick Chinemasa ve Zanu PF, avo vati munyori wedare remakurukota, Va Misheck Sibanda, ndivo vanotaura pamusoro penyaya iyi.

MDC inotungamirwa naVa Arthur Mutambara inoti yapinda mumusangano wadaidzirwa naVaMugabe, uye haina kuzviziva kuti vamwe vavo vanga varamwa kupinda mumusangano uyu. Va Nelson Chamisa ndivo mutauriri we MDC inotungamirwa naVaTsvangirai.

Sandra Nyaira weStudio7 aita hurukuro naVaChamisa kuti tinzwe zvaitika.

Zvichakadaro, nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti zviri kuitwa naVaMugabe zvinoratidza kuti Zanu PF haisi muchokwadi, uye zvaitwa ne MDC zvinoburitsa pachena kusawirirana kuripo muhurumende yemubatanidzwa.

Professor John Makumbe inyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachidzidzisa pa University of Zimbabwe.

Sandra Nyaira weStudio7 aita hurukuro naVaMakumbe kuti tinzwe pfungwa dzavo pane zvaitika kumuzinda wehurumende kuMunhumutapa.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG