Accessibility links

Breaking News

Nhengo yeMDC kuMashonaland Central Inotemwa neDemo


Bato reMDC kuMashonaland Central rinoti imwe nhengo yaro, VaJosphat Chidhindi, vanowe sachigaro wevechidiki muWard 3 kuMuzarabani North, vakakuwadzwa zvakaipisisa nemusi weChina svondo rapera nevanofungidzirwa kuti ndevechidiki veZanu PF.

Bato iri rinoti VaChidhindi vakatemwa nedemo ruoko rwekurudyi, uye vari kuchipatara muHarare, uko vari kurapwa.

Mutevedzeri wasachigaro weMDC kuMashonaland Central, VaGodfrey Chimombe, vanoti mhirizhonga iri kuenderera mberi mudunhu ravo uye vatsigiri veZanu PF vanonzi vari kutyisidzira vatsigiri veMDC.

Hatina kukwanisa kunzwa divi reZanu PF panyaya iyi.

Zvichakadaro, masangano anorwira kodzero dzevanhu anodarika gumi anoti ari kukurudzira hurumende yemubatanidzwa kuti iise mutemo unoomesera vanoshungurudza vamwe neipi zvayo nzira.

Mamwe emasangano aya ndeanoti reZimbabwe Human Rights Association, kana kuti Zimrights neZimbabwe Human Rights NGO Forum. Masangano aya anoti mutemo uripo pari zvino unoregerera vari muzvinzvimbo zvepamusoro vachitora mativi ezvematongerwo enyika vasingayamure vanenge vashungurudzwa.

VaOkay Machisa, vanowe national director veZimrights uye vari nhengo yebhodhi reZimbabwe Human Rights NGO Forum vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti pari kunyorwa bumbiro remitemo idzva panofanirwa kusimbaradzwa mutemo weUnited Nations unorambidza kushungurudzwa kwevanhu.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG