Accessibility links

Breaking News

Kodzero dzeVanhu Dzoramba Dzichityorwa muNyika


Zimbabwe yacheredza neChishanu zuva reUnited Nations International Day in support of Victims of Torture.

Sangano reZimbabwe Human Rights NGO Forum raburitsa gwaro rinoti vanhu vanosvika mazana manomwe nemakumi maviri ane vatatu, vakatochwa gore rapfura, kunyanya muna Chikumi apo pakadzokororwa sarudzo yemutungamiri wenyika.

Sangano iri rinoti vanhu vari kuita izvi inhengo dzehurumende ne ZANU-PF.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuhurumende kana kuZanu PF pamusoro pegwaro resangano iri.

VaAbel Chikomo ndivo Executive Director veZimbabwe Human Rights NGO Forum.

Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro naVaChikomo kuti tinzwe mamiriro akaita zvinhu panyaya yekutochwa kwevanhu.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG