Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inoti Icharamba Ichishandisa Mari yeKunze


Zimbabwe inoti icharamba ichishandisa mari yekuAmerica nedzimwe nyika sezvo iri iyo chete nzira yekumutsiridza kuvimbisika kwayo munyaya dzekukwezva vemabhizimusi vekunze.

Zimbabwe inotiwo haina tarisiro yekumutsiridza kushandiswa kwemari yemunyika. Mashoko aya akataurwa neChipiri negurukota rezvekurongwa kwehupfumi nebudiriro, VaElton Mangoma, avo vari kumusangano wezvemigodhi uri kuitirwa kuLondon.

Zimbabwe yakatanga kushandisa mari yekune dzimwe nyika kutanga kwegore rino, izvo zvaita kuti inflation idzikire zvikuru. Sangano reSADC rine hurongwawo hwekushandiswa kwemari imwe chete nenhengo dzaro.

VaCallisto Jokonya inyanzvi munyaya dzezveupfumi uye vakambotungamira sangano reConfederation of Zimbabwe Industries.

VaJokonya vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti vanotsigira pfungwa yekusadzorwa kwemari yenyika.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG