Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Votarisirwa Kuita Hurukuro naVaSarkozy kuFrance


Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, neChitatu vakasvika muFrance mushure mekushanyira Britain.

VaTsvangirai vari kutarisirwa kuita hurukuro nemutungamiri weFrance, VaNicolas Sarkozy, neChina. VaTsvangirai vari kushanyira nyika dzakabudirira vachiedza kumutsiridza hukama hweZimbabwe nenyika idzi.

Muhurukuro dzavari kuita nevatungamiri venyika idzi, VaTsvangirai vari kutsvagirawo hurumende yemubatanidzwa mari, kuitira kuti ikwanise kuita mabasa ayo. Nyika zhinji dziri kuratidza kuti dzine chido chekubatsira Zimbabwe, asi dziri kukomekedza kugadziriswa kwenyaya dzakaita sekodzero dzevanhu, kuremekedzwa kwemitemo, pamwe nekumiswa kwemhirizhonga.

Kusvika pari zvino VaTsvangirai vashanyira nyika dzinoti Netherlands, America, Sweden, Germany, Belgium ne Britain.

Zvichitevera musangano wakaita VaTsvangirai nevakuru venyika dziri mu European Union, sangano iri rinoti raumba chikwata chichatanga hurukuro neZimbabwe chekuyedza kuvaka hukama zvekare.

Asi vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vari kuyambira kuti kunetsana kwatanga zvakare pakati peMDC neZANU-PF, kunogona kukanganisa nyaya yekuvaka hukama neEU iyi. Vachamirira EU, vamiriri veSweden neCzech muZimbabwe uye anomiririra EU muZimbabwe.

Zimbabwe ichange yakamirirwa nemakurukota matanhatu, bato rimwe chete riine makurukota maviri.

VaPedzisayi Ruhanya vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika. VaRuhanya vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti kusada kuchinja ruvara kweZANU-PF ndiko kuchakanganisa nhaurirano.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG