Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzirwa Kupinza Chikafu Munyika


Sangano reZimbabwe Vulnerability Assessment Committee, ZimVac, rinoti vanhu vanosvika 1,4 million, zvikuru mumaruwa, vanoda rubatsiro rwechikafu nekukasika sezvo vasina kukohwa zvakakwana mwaka uno.

Mugwaro rarakaburitsa mukupera kwesvondo, sangano iri riri kukurudzira hurumende kuti itore matanho ekuendesa chikafu kunzvimbo dzisina kukohwa zvakanaka, chichibva kune nzvimbo dzakawana goho rakanaka.

Gwaro iri rakaburitswa zvichitevera ongororo yakaitwa nemasangano akazvimirira achishanda pamwe nehurumende mushure mekushanyira nzvimbo dzakasiyana siyana munyika.

VaRenson Gasela ndivo munyori anoona nezvekurima muMDC inotungamirwa naVaArthur Mutambara.

VaGasela vanoti nyika inofanirwa kutenga chikafu kubva kunze kwete kutora kubva mumatunhu akakohwa.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG