Accessibility links

Breaking News

Amnesty International Inoshora Kusungwa kweNhengo dzeWOZA


Sangano reAmnesty International ranyorera mapurisa richigunung'una mabatirwo ari kuitwa nhengo dzeWOZA muHarare nemuBulawayo.

Sangano iri rinotiwo richasvitsa chichemo charo kumutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, parichaita musangano navo neMuvhuro mu London.

WOZA yakapinda mumigwagwa muBulawayo nemuHarare ichicherechedza zuva revapoteri pasi rose. Vanhu gumi nemumwe chete vakasungwa mumaguta maviri aya.

Izvi zvakaitika munyori mukuru we Amnesty International, Amai Irene Khan, vari munyika. Sangano iri rakashora neChina kutyorwa kuri kuita kodzero dzevanhu munyika.

Amai Rejoice Chauke inhengo yeWOZA. Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro na Amai Chauke kuti tinzwe mamiriro akaita zvinhu.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...


XS
SM
MD
LG