Accessibility links

Breaking News

Kuumbwa kweZimbabwe Media Commission Kounza Mutauro


Nyaya yekuumbwa kwekomiti inoona nezvekufambiswa kwemabasa enhau munyika inonzi yaunza kugunung’una kukuru kubva kuvatori venhau pamwe nemamwe masangano anoona nezvenhau akaita sesangano reMISA-Zimbabwe.

Vakawanda vanoti havasi kufara nemafambisirwo ari kuitwa hurongwa hwekutsvaga makomishina achatungamira Zimbabwe Media Commission.

Vatori venhau vari kuti havadi kuti pave nemutemo unovapa marezinesi ekuita basa ravo, sezvo paine sangano reVoluntary Media Council of Zimbabwe, rinoona nezvemashandiro avo.

Sachigaro wekomiti yeparamende yeLegal and Procedural Committee, uye vachimirira Masvingo Urban muparamende, VaTongai Matutu, vanoti havasi kuramba kutambira zviri kudiwa nevatori venhau.

Asi Director weMISA-Zimbabwe, VaTakura Zhangazha, vanoti vatori venhau havafanirwe kunyoresa kuti vaite basa ravo sezvinoitwa munyika dzine hutongi hwejechetere.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG