Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vomutsiridza Hukama hweZimbabwe neEuropean Union


Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vakaparura neChina hurongwa hwekuti Zimbabwe itange kudyidzana nenyika dziri muEuropean Union uko vaita hurukuro nevakuru vakuru venyika idzi.

Vanoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika nekuchengetedzwa kwenyika dzemu EU, VaJavier Solana, varumbidza zvikuru VaTsvangirai semunhu akashinga, vakati vakagadzirira kutaurirana neZimbabwe kuti imutsiridze hukama hwayo neEU.

Makurukota matatu eZANU-PF anoti gurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, gurukota rezvekushanyirwa kwenyika, VaWalter Mzembi, pamwe negurukota rezvekunze kwenyika, VaSimbarashe Mumbengegwi, avo vakatemerwa zvirango zvekufamba nenyika dzemu EU, vakakwanisa kupihwa mavhiza ekuti vapinde mumusangano weChina.

VaJames Maridadi ndivo mutauriri waVaTsvangirai. VaMaridai vanoti musangano uyu wafamba zvakanaka chose.

VaDewa Mavhinga igweta uye vachiongorora nyaya dzezvematongerwo enyika. VaMavhinga vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti ZANU-PF inofanira kushandisa mukana wekupihwa mavhiza eEU zvakanaka kwete kuti irambe ichityora kodzero dzevanhu.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG