Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vakaparura neChina hurongwa hwekuti Zimbabwe itange kudyidzana nenyika dziri muEuropean Union uko vaita hurukuro nevakuru vakuru venyika idzi.
Vanoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika nekuchengetedzwa kwenyika
dzemu EU, VaJavier Solana, varumbidza zvikuru VaTsvangirai semunhu akashinga, vakati vakagadzirira
kutaurirana neZimbabwe kuti imutsiridze hukama hwayo neEU.
Makurukota matatu eZANU-PF anoti gurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, gurukota rezvekushanyirwa kwenyika, VaWalter Mzembi, pamwe negurukota rezvekunze kwenyika, VaSimbarashe Mumbengegwi, avo vakatemerwa zvirango zvekufamba nenyika dzemu EU, vakakwanisa kupihwa mavhiza ekuti vapinde mumusangano weChina.
VaJames Maridadi ndivo mutauriri waVaTsvangirai. VaMaridai vanoti musangano uyu wafamba
zvakanaka chose.