Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeWOZA Pfumbamwe Dzinosungwa muBulawayo


Nhengo pfumbamwe dze WOZA dzasungwa neChitatu muBulawayo apo dzanga dzichicherechedza zuva revapoteri pasi rose, kana kuti World Refugee Day.

Mumwe wevatungamiri veWOZA, Muzvare Magodonga Mahlangu, vanoti mapurisa anodzivirira mhirizhonga atanga kurova nhengo dzavo panze pemahofisi ebepanhau re Chronicle.

Zvinonzi vanhu makumi matatu vakuvara zvikuru pamhirizhonga iyi, uye vatatu vakaendeswa kuchipatara.

Studio7 haina kukwanisa kutaura negweta enhengo dzasungwa uyewo mapurisa.

Asi Muzvare Mahlangu vanoti mapurisa anga achirambidza magweta kuti aya kuti aone nhengo idzeWOZA dzasungwa

Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro neimwe nhengo yeWOZA, Amai Rejoice Chauke, kuti tinzwe zvaitika.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG