Accessibility links

Breaking News

Harare Yobhadharisa Vamwe Vagari Mari dzeMvura Yavasina Kushandisa


Vamwe vagari vekuMabvuku, Tafara neHatcliffe, vari kunyunyuta nemari dzemvura dzavari kunzi vabhadhare, iyo vanoti havasi kuwana kwemakore anodarika maviri apfuura.

Vagari ava vanoti vakatambira matsamba anoti vabhadhare mari dzinoita US$10.00 paimba yega yega.

Mari iyi inonzi inosanganisirawo yekufambiswa kwetsvina dzemuzvimbuzi, izvo zvinonzi hazvisi kushanda munzvimbo idzi.

Asi mutevedzeri wameya weguta reHarare, VaEmmanuel Chiroto, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti kanzuru haikwanisi kusiya vamwe vagari panonyorwa magwaro aya, vakati vanokurudzira vagari vakambotambirawo mvura munguva yapfuura kuti vabhadhare kana mari shoma zvayo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG