Accessibility links

Breaking News

Kudhura kweKurarama Kokwira neZvikamu Zviviri Kubva  muZana,


Sangano reConsumer Council of Zimbabwe, kana kuti CCZ, mari inodiwa pakurarama kwemhuri pamwedzi, kana kuti cost of living, yakwira nezvikamu zviviri kubva muzana, kana kuti two percent kubva US$427, 11 pamwedzi wapera kusvika pa US$437,62 muna Chikumi mwedzi uno.

Mukuru weCCZ mudunhu reMatabeleland, VaComfort Muchekeza, vanoti chanyanyokwidza mari inodiwa pamwedzi nemhuri ine vanhu vatanhatu kuti vararame, zvinhu zvakaiita semibhadharo yedzimba, magetsi pamwe nemvura.

Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro naVaMuchekeza kuti tinzwe maonero avo.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG