Accessibility links

Breaking News

Nyaya yeNhengo dzeMDC Yonzwikwa Musi wa22Chikumi


Dare repamusoro reHigh Court raendesa mberi kunzwikwa kwenyaya yenhengo dzeMDC ina dziri kupomerwa mhosva yekuda kubvisa hurumende yaiva yeZanu PF yega nechisimba.

Magweta ari kumirira Amai Concilia Chinanzvavana, Amai Violet Mupfuranhewe, VaCollen Mutemagau, pamwe naVaFidelis Chiramba, neMuvhuro akaisa chikumbiro chekuti dare reSupreme Court rinzwe nyaya yekuti vana ava votongwa here sezvo vakashungurudzwa vari muhusungwa.

Mushure mekunzwa kubva kumativi ose ari maviri, mutongi wedare, Justice Tendai Uchena, vanonzi vati vachapa mutongo wavo panyaya iyi nemusi wa 22 Chikumi.

Rimwe remagweta ari kumirira vana ava, VaAlec Muchadehama, vaudza Jonga Kandemiiri kuti pane mamwe mapepa ari kudiwa nedare anzi ari muhofisi yaJustice Chitakunye, avo vari kushanda nedare reHigh Court vachifamba nenyika yose.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG