Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanotanga Misangano neVakuru veHurumende yeAmerica


Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vakatanga neChipiri kuita misangano nevakuru vakuru muhurumende yeAmerica.

VaTsvangirai vakasvika muWashington neMuvhuro mushure mekushanyira Netherlands. Mutungamiri wehurumende ari kuda kusangana nevakuru venyika dzakabudirira, kuitira kuti atsvage nzira dzekuti Zimbabwe itange zvakare kudyidzana nenyika idzi.

Murwendo rwavo, VaTsvangirai vachange vachitsvagirawo nyika rubatsiro.

Mutungamiri weAmerica, VaBarack Obama, vanoti vari kutarisira zvikuru kuita hurukuro naVaTsvangirai. VaObama vari kutarisirwa kusangana naVaTsvangirai nemusi weChishanu.

Mashoko ari kubva kumuzinda waVaObama, weWhite House, anotiwo VaObama vari kuda kutaura nezverwendo rwakaoma rwakatarisana neZimbabwe mukuyedza kuunza hutongo wegutsaruzhinji.

Pamusangano wavo neChishanu, vaviri ava vachazeya nyaya yekuti Zimbabwe yobatsirwa sei kuti iite hutongi wejechetere.

VaTsvangirai vari kutarisirwawo kuenda kunyika dzekumawirira dzakaita seBritain neFrance murwendo rwavo rwemasvondo matatu vari kunze kwenyika.

VaTsvangirai vari kuperekwedza nemakurukota matatu anoti VaElton Mangoma, VaWalter Mzembi pamwe namai Priscilla Misihairambwi Mushonga.

Asi mutevedzeri wemunyori anoona nezvemuAfrica, VaJohnnie Carson, vanoti America ichabatsira hurumende yeZimbabwe kana yavandudza nyaya dzezvehupfumi, pamwe nezve matongerwo enyika.

VaCarson vatiwo avo vari kutyora kodzero dzevanhu muZimbabwe, vacharamba vakatemerwa zvirango nehurumende yeAmerica. Asi America inoti icharamba ichipa Zimbabwe rubatsiro rwezvekudya nemishonga.

VaBriggs Bomba ndivo Campaigns Director musangano reAfrica Action. VaBomba vanoti vakuru vehurumende vanofanira kuvandudza maitiro avo kuti vapihwe rubatsiro.


Dzimwe Nhau kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG