Accessibility links

Breaking News

Nyaya yeNhengo dzeMDC Inotadza Kupinda Mudare


Nyaya yenhengo dzeMDC ina dzanga dzakatarisirwa kumiswa pamberi pedare reHigh Court, yatadza kupinda mudare mushure mekunge magweta ari kuvamirira, apikisa kutongwa kwenyaya iyi kudzamara hurumende yapedza kuferefeta kutochwa kwakaitwa vanhu ava vari muhusungwa.

Magweta abva apinza nyaya iyi mudare reSupreme Court, uye chikumbiro ichi chava kutarisirwa kunzwikwa neChipiri.

Vana ava, avo vanoti Amai Concilia Chinanzvavana, VaFidelis Chiramba, Amai Violet Mupfuranhewe pamwe naVaCollen Mutemagawo, vakasungwa kuBanket, kuMashonaland West gore rapera vachipomerwa mhosva yekudzidzisa vanhu zvehugandanga nechinangwa chekuda kupidigura hurumende yaive yeZanu PF.

Magweta avo ari kupikisa masungirwo avakaitwa kubva kudzimba dzavo sezvo vachinzi vakaita zvekupambwa.

Dzimwe nhengo dzeMDC nhatu dzakasungwa pamwe nevana ava, dzinonzi dziri kumanikidzwa nevachuchisi kupa huchapupu hunoroverera vamwe vavo nemhosva.

Rimwe remagweta ari kumirira nhengo idzi, VaAlec Muchadehama, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti hurumende inofanirwa kuburitsa pachena vakapamba vanhu ava.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG