Accessibility links

Breaking News

Musangano weCOMESA Unopera kuVictoria Falls


Musangano we Common Market for East and Southern Africa, COMESA, wapera neMuvhuro muguta reVictoria Falls. Vakuru venyika dzeCOMESA vabuda nezvisungo zvinosanganisira kugadzirisa nyaya dzekutengeserana mudunhu, uye kuti masangano eSADC, COMESA neEast Africa Community abatanidzwe munguva pfupi iri kutevera.

Musangano uyu wakaparurawo chirongwa chitsva cheCOMESA Customs Union, icho vakuru venyika idzi vari kuti chichabatsira vemabhizinisi muAfrica kuti vashande zvisina zvipingaidzo.

Gurukota rezvemaindasitiri, VaWelshman Ncube, vanoti vakuru venyika dzemu COMESA vari kukurudzira kushanda pamwe nevakazvimirira vega, kuitira kuti migwagwa, zvikoro nezvimwe zvakadaro, zvisimudzirwe mu Africa.

Va Ncube vatizve vakuru ava vatsigira mutungamiri weSudan, VaOmar Hassan Al Bashir, vachitii United Nations inofanirwa kutsvaga nzira dzekugadzirisa gakava riri muSudan, kwete kuti vamiswe pamberi pematare eInternational Criminal Court, vachitongerwa mhosva dzavari kupomerwa.

VaProsper Chitambara inyanzvi munyaya dzezvehupfumi hwenyika. Sandra Nyaira weStudio7 aita hurukuro naVaChitambara kuti tinzwe maonero avo pazvisungozvakabuda neCOMESA.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG