Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Votarisirwa Kusangana naVaObama muAmerica


Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vari kutarisirwa kusimuka munyika neMugovera vakananga kunyika dzekumavirira. Nyika dzichashanyirwa naVaTsvangirai dzinosanganisira Netherlands, Sweden, America neBritain.

VaTsvangirai vari kuperekedzwa nemakurukota matatu anoti gurukota rezvekurongwa kwehupfumi, Va Elton Mangoma, gurukota rezvekubatana kweZimbabwe nedzimwe nyika mumatunhu, Amai Priscilla Misihairambwi Mushonga, pamwe negurukota rezvekushanyirwa kwenyika, VaWalter Mzembi.

Hurumende yeAmerica inonzi yaita tsiye nyoro kupa VaMzembi gwaro rekufambisa, kuitira kuti vakwanise kushanya kuAmerica pamwe naVaTsvangirai. Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti VaMzembi, avo vasiri pavanhu vakatemerwa zvirango zvekufamba neAmerica, vapihwa mukana wekufamba kuenda kuAmerica nekuti havaonekwe semunhu ane maitiro akafana nenhinhi dzinonzi dziri muZanu-PF, idzo dzinogara dzakatyora kodzero dzevanhu.

VaTsvangirai vari kutarisirwawo kuita misangano nemutungamiri weAmerica, VaBarack Obama, mutungamiri we France, VaNicholas Sarkozy, pamwe nemutungamiri weBritain, VaGordon Brown, apo vachange vari kunze kwenyika kwemasvondo matatu vachiedza kumutsiridza hukama hweZimbabwe nenyika idzi, pamwe nekutsvaga nzira dzekuti nyika iwane rubatsiro. Zimbabwe inoda mari inodarika mabhiriyoni masere emadhora ekuAmerica kuitira kuti ikwanise kumutsiridza hupfumi hwenyika. Dare remakurukota rakatopa kare VaTsvangirai matomu ekutungamira hurongwa hwekutsvagira nyika rubatsiro.

VaDewa Mavhinga igweta rinorwira kodzero dzevanhu uye vachiongorora nyaya dzezvematongerwo enyika. VaMavhinga vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti Zanu-PF inofanira kutora tsiye nyoro dzehurumende yaVaObama semukna wekuti ichinja maitiro ayo kuitira kuti hurumende yemubatanidzwa inyatsowana madzisahwira anoibatsira.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG