Accessibility links

Breaking News

MDC Inoti Nhengo Dzayo Nhatu kuBanket Dzakatorwa neVasori neChisimba


Bato reMDC rinoti nhengo dzaro nhatu kuBanket, kuMashonaland West, dzakatorwa nechisimba nemusi weChipiri nevarume vatatu vanofungidzirwa kuti ndevesangano revasori.

Bato iri rinoti vatatu ava, avo vanoti VaTerry Musona, VaLloyd Tarumbwa naVaFani Tembo, vakatorwa kubva mudzimba dzavo.

Varume ava vamwe venhengo dzeMDC dzakambopambwa mudunhu reMashonaland West gore rapera dzichipomerwa mhosva yekuda kupidigura hurumende yaVaMugabe.

MDC inoti vatatu ava vakaendeswa kumahofisi ekwa Attorney-General kuHarare, uko vanonzi vakaudzwa kuti vazoroverera vamwe vavo sezvapupu kana vazomiswa mudare svondo rinouya. Attorney-General, VaJohannes Tomana, vaudza Studio7 kuti havakwanisi kutaura nezvenyaya iyi sezvo iri mumatare.

MDC inoti vatatu ava vakazoregwa neChitatu mushure mekunge vatyisidzirwa kunzi vaizotorerwa matanho kana vakasaita zvavakanga vaudzwa.

Gweta riri kumirira vatatu ava, VaChris Mhike, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti vatokwira kudare reHigh Court kuti rimise hurumende kushandisa vatatu ava sevafakazi.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...


XS
SM
MD
LG