Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inowana Mari Yerubatsiro Kubva Kusangano Re European Commission


Sangano re European Commission rinoti richapa Zimbabwe mari inosvika 8 Million Euros yekubatsira vanhu vanotambura, kugadzirisa nyaya dzezvehutano uye kuti vanhu vawaniswe mvura yakachena. Asi sangano iri rinoti hurumende yemubatanidzwa ichiine basa guru rekumutsiridza nyika.

Nezuro sangano reUinted Nations rakaisa chikumbiro chemari kunemamwe masangano anopa rubatsiro, yekubatsira vanhu vanotambura munyika richiti nyika inoda mari inodarika 719 Million U-S Dollars yekugadzirisa zveuhato, nyaya dzekurima, zvedzidzo, kupedza nzara uye kuti voruzhinji vawaniswe mvura yakachena.UN inoti pane vana vanodarika 44 thousand vanoda rubatsiro rezvekudya uye mishonga yekurapa zvirwere zvekushaya kudya kunovaka muviri.

Brenda Moyo weStudio 7 ataura nava Peter Muchengeti sachigaro wesangano re National Association of Non -Governmental organisations-NANGO mu midlands, vano tsanangura rubatsiro rurikunyanya kudiwa munyika parizvino.

Dzimwe Nhau DzeStudio7...

XS
SM
MD
LG