Accessibility links

Breaking News

NCA Inoramba Mashoko Ekuti Haichina Mari Yekufambisa Zvirongwa Zvayo


Sangano rinorwira kuti munyika muve nebumbiro remitemo idzva, reNCA raramba mashoko ekuti ratarisana nedambudziko remari, sezvo rimwe remasangano anga achiribatsira nemari rakamira kupa rubatsiro.

Sachigaro weNCA, Ddoctor Lovemore Madhuku vaudza Studio 7 kuti sangano ravo rinorarama nerubatsiro rwunobva kumasangano akasiyana-siyana, sezvinongoitawo mamwe masangano akazvimirira oga.

Doctor Madhuku vatenda kuti sangano ravo rine zvikwereti zvinodarika 100 000 Rand, vakati hapana chinoshamisa kuti sangano ravo riite zvikwereti, sezvo richingoshandawo sezvinoita vamwe vose.

Bepanhau reSunday News rakaburitsa mashoko anoti sangano reOpen Society Institute of Southern Africa, OSISA, ndiro ranga richibatsira NCA nemari, uye rakamira kupa rubatsiro.

Zimbabwe Program Manager weOSISA, Muzvare Bella Matambanadzo varamba mashoko aya, vakati havana ruzivo nezvenyaya iyi.

Doctor Lovemore Madhuku vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti mashoko aya ari kubva kuvanhu vari kuvenga kubudirira kuri kuita sangano ravo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG