Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzozeya Gakava paNyaya yaVaGono naVaTomana


Hondo yekuti gavhuna webhanga guru renyika, VaGideon Gono, vasiye basa, yatsviriridza kusvika pakukandiranwa kwemakobvu nematete pakati peMDC neZanu PF.

Zviri kubuda mumapepanhau zviri kuratidza kuti patove nekusawirirana kukuru pakati paVaGono negurukota rezvemari, VaTendai Biti.

Asi veruzhinji vanoona zviri kuitika vanoti hondo iyi iri kutsigirwa nedanho rakatorwa nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nevamwe vakuru vakuru muZanu PF rekutsigira VaGono.

Jonga Kandemiiri weStudio7 aita hurukuro nenyanzvi munyaya dzezveupfumi uye vachitungamira sangano reLabour and Economic Research Institute of Zimbabwe, Doctor Godfrey Kanyenze, pamwe nevanoongorora zvematongerwo enyika uye vachitungamira sangano reCentre for Research and Development, VaFarai Maguwu, kuti tinzwe mafungiro avo pane zviri kuitika panyaya yaVaGono naVaTomana.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG