Accessibility links

Breaking News

Zesa  Inoda US$70 Million Kuti Iwanire Nyika Magetsi


Bhazi rezvemagetsi nedzimwe mhando dzemoto rinoti kambani yeZesa inoda mari inosvika US$25 million nechimbichimbi, kuitira kuti kambani iyi iwanire nyika magetsi.

Bazi rezvemagetsi nedzimwe mhando dzemoto rinoti kuti magetsi anyatsokwanira nyika, panodiwa mari inoita US$70 million.

Zesa pari zvino iri kunetsekana kuwana mari yekubhadhara chikwereti chayo chemagetsi chemari inoita US$43 million kukambani yemagetsi yeku Mozambique.

Gurukota rebazi remagetsi, VaElias Mudzuri, vanoti vari kuedza nepavanokwanisa napo kugadzirisa dambudziko rekushaikwa kwemagetsi munyika. VaMudzuri vanoti hurumende iri kutaurirana nekambani yekuMozambique kuitira kuti ipe Zimbabwe nguva yekubhadhara chikwereti ichi.

VaMudzuri vanoti dambudziko rekushaya mari yekubhadhara chikwereti chemagetsi riri kukonzerwa nenyaya yekuti hupfumi hwenyika huchiri kumawere, uye vanhu havana mari yekubhadhara magetsi.

Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro naVaMudzuri kuti tinzwe zvakatarisana nebazi ravo.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...


XS
SM
MD
LG