Accessibility links

Breaking News

ZimExpo USA 2009 Inotanga muAtlanta kuGeorgia


Hurongwa hwekuratidzira mabhizinesi ari kuitwa nevana veZimbabwe hwatanga neChishanu kuAtlanta ku Georgia kuno kuAmerica.

Zvinonzi makambani anosvika makumi maviri nemasere achange achiratidza mabasa aanoita, pamwe nekutengesa zvinhu zvawo ku ZimExpo USA 2009.

Kuchange kuine makwikwita ekutsvaga tsvarakadenga yeMiss Zimbabwe-USA 2009 neMugovera manheru. Hurongwa hweZimExpo USA hunopera neSvondo.

VaAnesu Manjegwa ndivo Chief Financial Officer weZimExpo USA.

Marvellous Mhlanga Nyahuye weStudio7 aita hurukuro naVaManjengwa kuti tinzwe mafambiro ari kuita zvinhu kuAtlanta.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7…

XS
SM
MD
LG