Accessibility links

Breaking News

VaChebundo Vasungwa Vachipomerwa Mhosva yeKubata Chibharo


Mumiriri weKwekwe mudare reparamende, uye vari nhengo yeMDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai, VaBlessing Chebundo, vasungwa neChitatu nemapurisa vachipomerwa mhosva yekubata munhu chibharo.

Gweta riri kumirira VaChebundo, VaTapera Sengweni, vaudza Studio7 kuti VaChebundo vasungwa masikati neChitatu, uye vari kuchengetedzwa vari paKwekwe Police Station.

VaSwengweni vatiwo VaChebundo vari kuramba mhosva yavari kupomerwa.

Ntungamili Nkomo weStudio7 aita hurukuro naVaSengweni kuti tinzwe zvaitika.


Dzimwe Nhau kubva kuStudi7...

XS
SM
MD
LG