Accessibility links

Breaking News

Harare Inoda US$46 Million yeKugadzirisa Nyaya dzeMvura


Kanzuru yeHarare inoti inoda mari inodarika makumi mana emamiriyoni emadhora ekuAmerica, kuitira kuti ikwanise kugadzirisa michina inochenesa mvura paMorton Jaffray uye kusimudzira kufambiswa kwemvura muguta.

Kanzuru iyi inoti yakatounganidza kare humbowo hwezvinoda kuitwa paMorton Jaffray, kuitira kuti guta riwane mvura yakawanda uye yakachena. Rimwe dambudziko rinonzi riri kukanganisa kufambiswa kwemvura kwakanaka, kubooka kwaita pombi zhinji dzinofambisa mvura, izvo zvinofungidzirwa kuti zviri kurasa mvura ingasvika zvikamu makumi mana nezvishanu kubva muzana.

Nzvimbo yeMorton Jaffray inonzi yakavakwa mugore ra1954, izvo zvinoratidza kuti michina iyi yashanda kwenguva yakareba zvikuru.

VaSamuel Sipepa Nkomo ndivo gurukota rezvemvura. VaNkomo vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti vanofungidzira kuti basa iri ringangotora masvondo matanhatu kuti ripere kuitwa.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...


XS
SM
MD
LG