Accessibility links

Breaking News

World Bank Yoronga Kupa Zimbabwe Mari


Sangano reWorld Bank rinonzi riri kuronga kupa Zimbabwe mari yerubatsiro inosvika mamiriyoni makumi maviri nemaviri emadhora eku America. Mutungamiri we World Bank muAfrica, VaToga Gayewea Mcintosh, vataura mashoko aya neMuvhuro muHarare, vachiti mari iyi ichapihwa Zimbabwe mwedzi unouya.

Vatiwo World Bank yakazvipira kubatsira Zimbabwe nemari yakawanda, ndokana Zimbabwe ikatanga kudzosera zvikwereti zvainazvo.

Zimbabwe ine zvikwereti zvemari inoita US$1,2 billion kuWorld Bank, International Monetary Fund, pamwe ne African Development Bank.

Pari zvino Zimbabwe inoda mari inodarika mabhiriyoni masere emadhora eku America, kuitira kuti ivandudze hupfumi hwenyika. Nyika dzakabudirira dziri kuti dziri kuda kutanga dzaona shanduko yechokwadi muZimbabwe, dzisati dzatanga kubatsira Zimbabwe nemari.

VaProsper Chitambara inyanzvi munyaya dzehupfumi, uye vachishanda nesangano re Labor and Economic Development Research Institute of Zimbabwe.

Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro naVaChitambara kuti tinzwe mafungiro avo pakupihwa mari kuri kuda kuitwa Zimbabwe neWorld Bank.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG